Kukohwa mbatatisi kunoda hunyanzvi kuti murimi awane gohwo rakanaka. Hezvino zvimwe zvaunofanira kutevera:
Nguva Yakakodzera Yekukohwa:
Mbatatisi dzinokohwewa mushure mekunge ganda rekunze ranyatsosimba zvekuti hadzizokanganisiki patinenge tavakudzichera kubva muvhu. Murimi anofanirwa kuongorora kuti ganda racho rakasimba here. Hazvikurudzirwi kukohwa kana ivhu riri kuoma kana kuine hunyoro hwakanyanya. Murimi ngaamirire kuti mashizha embatatisi ave kuoma uye ma(tubers) asvike pahuremu hwakakodzera.
Kubvisa Mashizha neChimuti:
Kana mashizha nechimuti chembatatisi zvaoma, murimi anofanira kubvisa mashizha nechimuti mumunda, osiya ma(tubers) pasi kwemazuva 12-15. Izvi zvinoita kuti mbatatisi dzisimbiswe, zvichivandudza gohwo remurimi.
Nguva Yakakodzera Yekukohwa:
Kohwa mbatatisi kuchitonhorera, munguva dzemangwanani kana dzemanheru. Izvi zvinodzivirira mbatatisi kubva pakuoma nekurasikirwa nehuremu pazuva.
Kudzivirira Zvipukanana:
Kukurumidza kukohwa mbatatisi kwakakosha kuti dzisarambe dzichirumwa nezvipukanana zvakaita sepongwe kana (tuber moth).
Kuchenesa Mbatatisi:
Kana mbatatisi dzikohwewa dziine madhaka, murimi anokurudzirwa kuzisuka nemvura yakachena. Rega dzinyatsooma dziri mumumvuri.
Ruzivo Rwekuwedzera:
π Bulawayo Branch
1A Oak Avenue, Suburbs
π Phone: +263 8612 401 401
π Harare Branch
76 McChlery Avenue, Eastlea, Harare
π Phone: +263 8612 401 401
π± Cell: +263 719 302 408
π Web: www.dijoseed.com
βοΈ Email: sales@dijoseed.com